Zano Hombe Rekasvosve
Candice Dingwall
Steven McKimmie

Kasvosve kaifarira kuverenga. Kasvosve kaigara kachisekwa nevamwe. "Masvosve haaverengi. Masvosve anofanira kudya. Masvosve anounganidza chikafu chaanozoda."

1

Kasvosve kaigara verenga mazuva ese, aiverenga kusvika zuva rapera.

2

Mamwe masvosve aiwunganidza chikafu ocherera pasi kuitira muchando.

3

Amai nababa vake vakatsamwa zvikuru, uye kasvosve kakabatikana zvikuru.

4

Panguva miti paino adonhedza mashizha, masvosve anofanirwa kuchengeta chikafu pasi.

5

Mambokadzi anoda kuzodza matura, naizvozvo masvosve anofanirwa kuramba achishanda.

6

Kasvosve anotanga kudeedzera pamusoro penzvimbo yaakaverenga nezvayo. "Nzvimbo yokudyira ndiyo yatinoda, kunoenda vanhu vachinodya. Zvinotaurwa kudaro mumabhuku andinoverenga."

7

Masvosve anotanga kufamba rimwe ne rimwe. Anofamba akananga kunovirira zuva.

8

Kasvosve kanobva kati, "Heyiii, imwe iyo!"

9

Masvosve anotanga kafumba rimwe ne rimwe, akabata bhega nemabhanzi.

10

Pavanodzoka Mambokadzi anofara zvikuru. Matura azara. Vanopembera zvikuru.

11

Kasvosve kanombundikirwa na amai nababa vake.

12

Hanzvadzi yake inomubata ruoko, "Ndinofunga ndakunzwisisa zvino. Nzira yuanofarira kuverenga mabhuku inondiita ndidewo kumatarisa."

13
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Zano Hombe Rekasvosve
Author - Candice Dingwall
Translation - Patience Maganga, Precious Gumbo
Illustration - Steven McKimmie
Language - ChiShona
Level - First paragraphs