Mambo weShiri
South African Folktale
Wiehan de Jager

Makare kare shiri dzakaita musangano. Dzaida kusarudza mambo, sezvinoita vanhu nemhuka. Ndeipi shiri inokodzoera kuva mambo?

1

"Gondo, akasimba zvakare anehumambo!" yakadaro imwe shiri.
"Aiwa, haana korona, zvekare kana achideedzera anonzwika akasuwa," yakadaro imwe.
"Saka Mhou, nekuti ndiye muhombe zvakare anodzvova kunge shumba," imwe yakadeedzera.
"Aiwa haagone kubhururuka. Mambo weshiri anofanirwa kunge achibhururuka."

2

"Ndofunga ndofanira kuva mambo," akadaro Pikoko, achitambisa muswe wake. "Ndakanakisisa."
"Unonyanya kudada," akadaro Zizi. "Ndine maziso mahombe kudarika shiri dzese. Ndinofanira kuva mambo."
"Aiwa, kwete iwe, Zizi," dzakanidzira dzimwe shiri. "Unorara kana zuva rabuda!"

3

Hadzina kusvika kure nekusarudza mambo. Imwe shiri yakaronga zano. "Shiri ichabhururuka kuenda mudenga kudarika shiri dzese ndiyo ichaita mambo," yakadaro imwe. "Hongu, hongu," shiri dzese dzakanaidzira, dzese dzikatanga kubhrururuka, kuenda mudenga.

4

Hanzi yakabhururuka kwezuva rimwe chete, yakananga mudenga pamusoro soro pemakomo makuru epasi rese. Gondo akabhururuka kwemazuva maviri, achienda mudenga denga pamusoro soro pemakomo. Asi Gora akabhururuka kwemazuva matatu asingamire, akananga kune zuva. Kure kure pamusoro pedzose shiri, shiri dzakanzwa Gora achidaidzira, "Ndini ndaenda mudenga denga, ndini mambo!"

5

Asi zvakadaro pamusoro pake Gora akanzwa kanzwi katete, "Tinki, tinki, tinki! Ndini ndiri pamusoro soro, ndini mambo." Ndi Ncede, shiri diki diki pane dzese. Ang akahwanda mumapapiro a Gora paaienda mudenga.

6

"Hausi kuzondikurira zvekare," akadaro Gora achibhururuka kuenda mudenga denga. Akabhururuka achienda mudenga kusvikira apera simba. "Ndiri mudenga kudarika shiri dzese. Ndini mambo wenyu!"

7

Asi kubva pasi pemapapiro a Gora pakatushuka kashiri kadiki diki. "Tinki, tinki! Tinki, tinki! Ndini kadiki diki! Ndiri mambo wenyu." Gora anga aneta chaizvo asisakwanisi kupfuurira mberi.

8

Naizvozvo akadzika pasi, kashiri kadiki kari pasi pemapapiro ake. Dzimwe shiri dzakagumbukira Ncede. Dzakamumirira, dzichida kumubvisa pasi pema papiro a Gora.

9

Asi nokukurumidza kaNcede akaona kugumbuka kwe dzimwe shiri, akabhururuka akananga mumwena wenyoka. Shiri dzakanga dzakamirira dzakataurira Zizi, "Nemaziso ako mahombe, chengetedza mwena wozomubata paanobuda panze." Naizvozvo Zizi akagarira pamwena.

10

Zvisinei zuva raipisa saka Zizi akabva arara. KaNcede kakabva kabuda mumwena wenyoka. Paakaona kuti Zizi akarara akabhururuka achitiza.

11

Zizi akanyara nekuti akanga aregera kashiri kadiki kachitiza. Nanhasi anongo vhima husiku chete. Panguva dzemasikati, anorara, kure paasingaonekwi nedzimwe shiri.

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Mambo weShiri
Author - South African Folktale
Translation - Precious Gumbo
Illustration - Wiehan de Jager
Language - ChiShona
Level - Longer paragraphs