Muchengeti wekireshi yemhuka
Nina Orange
Magriet Brink

Urwu rungano rwemuchengeti wekireshi inochengeterwa vana vemhuka, nherera.

1

Nyamavhuvhu mwedzi une basa rakawanda kumuchengeti we kireshi yemhuka pamwe nevashandi vake.

2

Rimwe gore Mkite akasvika. Akauya nerori yegirinhi.

3

Muchengeti nevashandi vake vakanzwa kusiririswa zvikuru vachiona Mkite. Akanga akawonda zvaisuwisa.

4

Asi mushure mechinguva chidikidiki Mkite akatanga kusimba. Akatanga kutamba nedzimwe mhuka mukireshi.

5

Nerimwezve zuva muna Nyamavhuvhu, herikoputa yakamhara pakireshi apa.

6

Muchengeti nevashandi vake vakamhanya panze. Mu herikoputa maive nenzou diki yakanga yakavharwa nejira.

7

Ndi Ndiwa. Aive nemazuva mashanu ekuzvarwa. Muchengeti akapa Ndiwa mukaka nebhodhoro.

8

Nherera yemhuka yechitatu kusvika pakireshi mwedzi iwoyo yainzi Malea. Malea akauya ari mu tarakita tsvuku.

9

Malea aive chipembere akaita ushamwari na Enkare, mwana weNyati. Vaifamba vese kwese kwavaienda.

10

Mumwe musi usiku mhuka dzese dzakamutswa nekusvika kwa Ambia.

11

Ambia aive nemwedzi mishanu yekuzvarwa. Akanga asisina simba nekufamba kwaakanga aita.

12

Muchengeti akasimudzira bhodhoro mudenga kuti Ambiya awane manwiro nekuti aive nemutsipa murefu.

13

Mapatya aya, Abel na Moit vakasvika pakireshi pakati pa Nyamavhuvhu. Mharapara idzi dzakanga dzichangozvarwa. Dzairwara zvikuru.

14

Mhuka dzese dzakasuwa zvikuru nekufa kwa Abei mushure mesvondo asvika pakireshi apa. Asi muchengeti nevashandi vake vakakwanisa kuraramisa Moit.

15

Nherera dzekupedzisira kusvika muna Nyamavhuvhu dzaive Kopi, Kepi na Keji. Vana veshumba ava vaive nesvondo mbiri chete vabarwa. Vakanga vaine nzara zvikuru pavakasvika pakireshi.

16

Muchengeti nevashandi vake vanofarira mhuka idzi dzose, nyange dzinonetsa.

17

Inonyanya kunetsa ndi Lobolia. Lobolia aifarira kuviga magirazi aMuchengeti.

18

Vashandi vepa kireshi yemhuka iyi vanoshanda zvikuru kuchengeta mhuka idzi. Vanotarisira kuti nerimwe zuva mhuka idzi dzinenge dzokwanisa kuzviriritira. Ndipo padzinobva dzadzoserwa musango madzakabva.

19

Dzinemakore mangani uye ingani? Verenga nyaya iyi zvakare wopindura mibvunzo inotevera:
1. Imhuka ngani dzakasvika mumwedzi wa Nyamavhuvhu?
2. Ndiani akatanga kusvika mwedzi iwoyo?
3. Mhuka iyi yanga yakura zvakadiyi?
4. Ndiani akapedzisira kusvika?
5. Ndiani akasvika ari mudikidiki pane vose muna Nyamavhuvhu?
6. Vakanga vakura zvakadiyi?

20
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Muchengeti wekireshi yemhuka
Author - Nina Orange
Translation - Ephraim Mhlanga
Illustration - Magriet Brink
Language - ChiShona
Level - First paragraphs