"Amai," akadanidzira Lebo. "Huyai muone. Mbatya dzese idzi dzava diki!"
"Rega ndione," Amai vakamupindura.
"Honai siketi yangu. Yave diki," akadaro Lebo.
"Hongu, yavediki. Nomsa anogona kuipfeka," vakadaro Amai.
"Honai majinhi (jeans) angu. Ave madiki," akadaro Lebo.
"Hongu ava madiki. Nomsa anogona kumapfeka," vakadaro Amai.
"Honai T-shirt yangu. Yave diki," akadarozve Lebo.
"Hongu, yave diki. Nomsa anogona kuipfeka zve," vakadaro Amai.
"Honai juzi rangu," akadaro Lebo.
"Hongu, rave diki. Nomsa anogona kuripfeka," vakadaro Amai.
"Honai raincoat yangu. Yave diki," akadarozve Lebo.
"Hongu, yave diki. Nomsa anogona kuipfeka," vakadaro Amai.
"Honai masokisi angu. Ave madiki," akadarozve Lebo.
"Hongu, ave madiki. Nomsa anogona kuapfeka," vakadaro Amai.
"Honai shangu dzangu. dzave diki," akadarozve Lebo.
"Hongu, dzave diki. Nomsa anogona kudzipfeka," vakadaro Amai.
"Wava nembatya dzakawanda," Lebo akaudza Nomsa.
"Kwete handina," Nomsa akapindura. "Mbatya idzi ihombe kwandiri!"