Bhazi Hombe reBhuruu
Mecelin Kakoro
Mango Tree

Mumusha waigara Ebei maive ne bhazi rimwe chete.

Raive bhazi hombe rebhuruu.

Raiita ruzha rwakanyanya.

1

"Mangwana tichaenda kudhorobha. Tichanotenga hembe dzako dzekuchikoro," vakadaro amai va Ebei.

2

Ebei akafara zvikuru. Vaizoenda ne bhazi hombe rebhuruu.

Haana kurara husiku uhu nomufaro.

3

Pakauya amai vake kuzomumutsa, Ebei akange atopfeka kare.

4

Ebei na amai vake vakafamba kuenda kuchiteshi chemabhazi.

Vakamirira bhazi hombe rebhuruu. Asi bhazi harina kuuya.

5

Vanhu vakatanga kusvika pachiteshi chemabhazi.

Vakanyunyuta nokunonoka kwebhazi. "Bhazi riripiko?" vakabvunza.

6

Ebei akashushikana. "Tichatadza kuenda kudhorobha," akafunga kudaro. "Ndichatadza kuwana hembe dzangu dzechikoro."

7

Vamwe vanhu vakasviba mwoyo vakadzokera kumba.

Ebei akachema. Haana kuda kudzokera. "Tichamirira kwechinguva," vakadaro amai vake.

8

Pakarepo vakanzwa ruzha. Vakaona huruva mudenga.

Bhazi rakange rave kuuya!

9

Asi bhazi rakange risiri rebhuruu. Rakange risiri hombe. Raive dzvuku uye raive diki.

Vanhu vaisada kupinda mubhazi iri.

10

"Pindai! Pindai!" akadanidzira mutyairi. "Nhasi tanonoka," akadaro.

11

Ebei na amai vake ndivo vakatanga kupinda.

Vanhu vese vakapinda mubhazi diki dzvuku.

12

Ebei akatarisa panze nepafasitera.

Akaona vanhu vakawanda pa chiteshi chema bhazi.

13

Vanhu vakawanda vaimhanyira bhazi. Asi vakanga vanonoka.

Bhazi dzvuku rakanga razara. Rakasimuka kuenda kudhorobha.

14

"Ko ririkupi bhazi hombe rebhuruu?" vakabvunza amai va Ebei.

"Rakafa," akapindura mutyairi. "Tirikurigadzirisa. Richauya mangwana."

15

Ebei haana kuita hanya neruvara rwebhazi. Haana kuita hanya nekukura kwaro.

Chero bhazi raienda kudhorobha!

16
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Bhazi Hombe reBhuruu
Author - Mecelin Kakoro
Translation - Precious Gumbo
Illustration - Mango Tree
Language - ChiShona
Level - First paragraphs