Huku ne Zongororo
Winny Asara
Magriet Brink

Huku na Zongororo vaive shamwari asi viagara vachiita makwikwi. Nerimwe zuva vakafunga kutamba nhabvu vachida kuona kuti shasha ndiani.

1

Vakaenda kunhandare yenhabvu vakatanga kutamba. Huku aitamba achikurumidza asi Zongororo aive mberi. Huku aikava bhora raienda kure asi Razongororo raitodarika ipapo. Huku akatanga kugumbuka nazvo.

2

Vakabvumirana kuti vatambe rekuroverana mugedhi. Zongororo ndiye akatanga kubata pagedhi. Huku akagohwesa kamwechete chete. Vakachinjana, Huku ndokubva obatawo pagedhi.

3

Zongororo akakava bhora akagohwesa. Zongororo akanzvenga akabva agohwesa. Zongororo akarova bhora nemusoro akabva agohwesa zvekare. Zongororo akagohwesa kashanu.

4

Huku akagumbuka zvikuru nokuti akanga akundwa. Zongororo akatanga kuseka nekugumbuka kwakanga kwaita shamwari yake.

5

Huku akagumbuka zvekuti akangoshama muromo wake ndokubva amedza Zongororo.

6

Ave kuenda kumba Huku akasangana na mai vaZongororo. Mai VaZongororo vakabvunza, "Wamboonawo mwana wangu here nhai Huku?" Huku akaramba akangoti zii kunyarara. Mai vaZongororo vakashushikana nazvo.

7

Amai vaZongororo vakanzwa ka izwi katete. "Ndibatsirei amai". Mai vaZongororo vakanyatsoteerera. Vakanzwa kuti kazwi aka kaibva mudumbu maHuku.

8

Mai vaZongororo vakadanidzira, "Shandisa simba rako mwanagu!" Mazongororo anogona kuburitsa munhuwi wakashata huye anoipisa mukanwa. Huku akatanga kunzwa kurwara.

9

Huku akadzvova. Akamedza akapfira mate. Akahotsira akakosora. Akakosora. Zongororo aishata zvinorutsisa.

10

Huku akakosora, akakosora kusvikira asvipa Zongororo. Zongororo namai vake vakabva vananaira ndokukwira mumuti kuti vahwande.

11

Kubvira nguva iyoyo Huku dzese nema Zongororo vakatanga kuva vavengi.

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Huku ne Zongororo
Author - Winny Asara
Translation - Precious Gumbo
Illustration - Magriet Brink
Language - ChiShona
Level - First paragraphs