Inda yakatswanyiwa
Zimbili Dlamini
Magriet Brink

Kare kareko, kwaiva nevakomana vaviri vakarasa mombe dzavo. Vakatsvaka mombe dzavo kusvika zuva radoka.

1

Kunze kwasviba, vakaona chiedza pane imwe imba. Vakabvumirana kuenda kunokumbira pekurara.

2

Vakenda pamba iyoyo vakagugudza. Gonhi rakavhurwa vakapinda mumba. Vakomana havana kuona munhu. Asi vakanzwa izwi richivamhoresa.

3

Izwi rakati, "Ini ndiri inda. Vhurai poto iyo mudye kudya kurimo. Movhura hari iyo momwa mahewu arimo."

4

Inda yakapfeka ganda rayo ikabuda panze.

5

Vakomana vakadya, vakamwa vakatenda. Vakabuda mumba vakaenda havo.

6

Pavakabuda, vakafunga zvakashata. Vakati, "Kwete, izvi hazvina kuitika kuti tapihwa kudya nenda." Vakabvumirana kudzokera kunotswanya inda.

7

Vakadzokera kumba kuya vakatswanya inda. Pakare ipapo inda yakangoshaikwa, imba ikashaikwawo! Vakazongoona vave panze.

8
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Inda yakatswanyiwa
Author - Zimbili Dlamini
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - Magriet Brink
Language - ChiShona
Level - First paragraphs