Musikana akapfuma
Salaama Wanale
Mango Tree

Karekare kwaiva nevasikana vaviri vainzi Nelima na Nambuya. Vasikana ava vaiva mukoma nemunin'ina. Vabereki vavo vainge vakashaika. Vaigara mugwenga raiva risinganai mvura kana kumera zvirimwa. Munhu aida zvokudya aitofamba chinhambwe chirefu kuti awane zvokudya.

1

Nelima aiva musikana akanyarara, aizvirereka uye achibatsira vamwe. Umwe wake, Nambuya aiva musikana aizvikudza uye asingatsiuriki. Aiva asina basa nevamwe vanhu.

2

Rimwe zuva vasikana vaviri ava vaiva vasina zvokudya. Vaifanirwa kunotsvaka zvokudya. Vakapinda munzira dzakasiyana kunotsvaka zvokudya.

3

Mudunhu iroro maigara chembere yainzi Netasile. Chembere iyi yaizivikanwa nemasimba ekupa hupfumi. Netalisile aiva nechirwere chemaperembudzi saka aiva nemaronda muviri wose.

4

Nambuya akasangana naNetalisile. Netalisile akashevedza Nambuya, "Mwanangu, wakadii hako? Unobva kupi? Uyezve urikuenda kupi?"

5

Nambuya akadaira mibvunzo yese. Netalisile akabva ati, "Huya undibatsire kuenda kumba kwangu ndikuudze zvekuita."

6

Nambuya haana kupindura chembere iyi zvakanaka. Akapindura achiti, "Zvirinani ndife zvangu pane kubata maronda enyu ayo." Netalisile akanyarara hake ndokubva audza Nambuya kuti afambe zvakanaka.

7

Nambuya akafamba kwenguva refu. Akasvika panzvimbo yaiva nenyoka, mazongororo, makonye nezvimwe zvipukanana. Aiva aneta avanenzara. Akagara pasi kuti azorore, achibva abatwa nehope. Zvipukanana zvakatanga kumuruma.

8

Murwendo rwake, Nelima akasanganawo nechembere imwecheteyo. Akafara kuonaNetalisile nekuti aiva munhu wekutanga waakaona kubva paakatanga kufamba. Netalisile akamubvunza mibvunzo yaaive ambobvunza Nambuya.

9

Nelima akabvuma kubatsira Netalisile. "Waita zvakatadzwa nevamwe," chembere yakamuudza. Nelima akaudzwa kuti adzokere kumba. Akaudzwa kuti paanosvika kumba aizowana kuine zvese zvaaishuvira.

10

Nelima akafara zvikuru akatenda. Akamhanya achidzokera kumba akawana pave neimba itsva yaive yakazara zvinhu zvese zvaaishuvira nezvekudya zvakawanda. Akanga apfuma.

11

Asi Nelima aichema mukoma wake Nambuya. Akazviudza kuti, "Munhu asingadi kutsiurwa apedzesera ava mumukanwa menzou."

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Musikana akapfuma
Author - Salaama Wanale
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - Mango Tree
Language - ChiShona
Level - Longer paragraphs