Rwendo rwa Neymar kuAfrica
Benard Agasi
Benard Agasi

Neymar paakauya mu Africa akasvikira muguta guru reNigeria. Vanhu veku Nigeria vakamukumbira kuti avaratidze unyanzvi hwekusvitsana bhora vachishandisa divi retsoka.

1

Achibva kuNigeria, Neymar akaenda kuGhana kunovaratidza hunyanzvi hwekusvitsana bhora vachishandisa mukati metsoka. Izvi zvakafadza vanhu veku Ghana zvikuru.

2

Ari munyika yeGhana, Neymar akabva akokwazve kunyika ye South Africa kunovaratidza hunyanzvi hwekumisa bhora nemberi kwetsoka.

3

Achibva ku South Africa, akaenda kuChad. Ku Chad Neymar akaratidza vanhu hunyanzvi hwekubata bhora nedivi retsoka.

4

Neymar paakasvika ku DR Congo, akandengendetsa nyika nehunyanzvi hwekumisa bhora nechidya.

5

Veku Uganda vakaona Neymar ku Congo vakabva vamusheedzawo kuti azoratidza hunyanzvi hwekunzvenga nekutora bhora.

6

Nhau idzi dzakatekeshera mudunhu re East Africa. Vanhu veku Kenya vakakumbira Neymar kuzovaratidza hunyanzvi hwekudzorera bhora nemaoko kubva kumubati webhora.

7

Muvhiki imwechete iyoyo, vanhu vekuTanzania vakadaidza Neymar kuti azoratidza hunyanzvi hwekusvitsana bhora nemusoro.

8

Achibva kuTanzania, akaenda ku Rwanda kunovaratidza kuti bhora rinosvitswa sei nepamusoro petsoka.

9

Abva kuRwanda, Neymar akapedzisa rwendo rwake rwemuAfrica nekuenda ku South Sudan uko akanovaratidza hunyanzvi hwekukanda bhora pasi obva arikava nemakumbo.

10
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Rwendo rwa Neymar kuAfrica
Author - Benard Agasi
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - Benard Agasi
Language - ChiShona
Level - First paragraphs