Mwana Anoshamisa
Lindiwe Matshikiza

Ndakatarisisa zvakare.

1

Ndakaona mai vakazvitakura vakabata dumbu ravo.

2

Vanhu vemumusha medu vakabvumidza mai ava kugara nesu mumusha.

3

Ava manheru mai ava vakatanga kuchema, "Mwana! Mwana avakubuda."

4

Vakabva vazvara mwana akafanana nedhongi.

5

Vanhu vakashaya kuti voita sei.

6

Vanhu vakatiza. Mai ava vakafunga, "Zvino ndoita seiko nemwana akafanana nedhongi uyu?"

7

Pakupedzisira vakafunga kuti vade mwana wavo.

8

Mwana uyu akakura ndokubva mai votadza kumubereka.

9

Mai vakatsamwa nazvo. Mwana dhongi akagumbukawo zvakare. Mwana akabva akava mai vake.

10

Paakawona mai vake vadonha pasi, mwana akabva atiza.

11

Mwana akanzwa nzara, akanga aneta uye akanga osurukirwa. Akabva abatwa nehope ndokubva akotsira.

12

Paakazo pepuka, akawona murume akamira padyo naye.

13

Murume uyu akatakura mwana dhongi ndokuenda naye kumba.

14

Kuzoti akura, mwana dhongi aigara achibereka murume uyu kumusana.

15

Mumwe musi vakaenda pamusoro pechikomo ndokurara zvavo vachizorora ipapo.

16

Mwana dhongi paakazoti pepu, akawana angove ega.

17

Mwana dhongi akashushikana nazvo. Akabva aenda kunotsvaga mai vake.

18

"Kuti vangave mai vangu here avo?"

19

Mwana dhongi namai vake vave kugara vese zvakare. Anogara achibereka mai vake pesepavanofamba muraini.

20
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Mwana Anoshamisa
Author - Lindiwe Matshikiza
Translation - Ephraim Mhlanga
Illustration -
Language - ChiShona
Level - First sentences